
The Tower of Babel (Genesis 11: 1-9)
chiShona (Shona)
- Zvino nyika yose yakaramba iine mutauro mumwe chete uye iine mashoko mamwe chete.
- Pavaifamba vachienda nechokumabvazuva vakazowana bani munyika yeShinari, vakagara imomo.
- Vakatanga kutaurirana vachiti: “Uyai! Ngatiite zvidhinha, tizviomese nokuzvipisa.” Naizvozvo zvidhinha zvakava matombo avo, asi bhitumini yakava dhaka ravo.
- Zvino vakati: “Uyai! Ngatizvivakire guta uyewo shongwe ine musoro unosvika kumatenga, uye ngatizviitirei zita rakakurumbira, kuti tirege kupararira panyika pose.”
- Jehovha akaburuka kuti aone guta racho norusvingo rwacho zvakanga zvavakwa nevanakomana vevanhu.
- Jehovha akazoti: “Tarira! Ivo vanhu vamwe, vose vane mutauro mumwe chete, uye izvi ndizvo zvavanotanga kuita. Chokwadi, zvino hapana chavangafunga kuita chavachatadza.
- Uya zvino! Ngatiburuke tinovhiringidza mutauro wavo ikoko kuti varege kunzwanana mitauro yavo.”
- Naizvozvo Jehovha akavaparadzira panyika pose vachibva ipapo, uye zvishoma nezvishoma vakarega kuvaka guta racho.
- Ndokusaka rakatumidzwa kuti Bhabheri, nokuti Jehovha akanga avhiringidza mutauro wenyika yose ipapo, uye Jehovha akanga avaparadzira panyika pose vachibva ipapo.
From: Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
Information about the Shona language
Tower of Babel in Bantu languages
Bemba,
Beti,
Chichewa,
Dawida,
Kamba,
Kinyarwanda,
Kirundi,
Kwanyama,
Lingala,
Luba-Katanga,
Luganda,
Luragooli,
Ndebele,
Ndonga,
Northern Sotho,
Sena,
Shona,
Southern Sotho,
Swahili,
Tetela,
Tonga,
Tsonga,
Tswana,
Tumbuka,
Venda,
Xhosa,
Zulu
Other Tower of Babel translations
By language |
By language family
Learn Chinese Characters with the Omniglot Chinese app